عبدالله ج.م. عدینی و دانشجویان · chiShona

1.Iwe muporofita (Muhammad (SAW))! Itya Allah nekuchengetedza basa ravo rawakapiwa, uye usateerere vasingatendi nevanyengedzi. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose, vane hungwaru hwose
4.Allah havana kumbobvira vasika munhu mumwechete ane moyo miviri mumuviri wake. Uye havana kuita ayo madzimai enyu vamunopikira kuti vakafanana navanaamai venyu, vanaamai venyu vechokwadi (Dhihaar: Murume kuudza mudzimai wake kuti kwaari akafanana nemusana waamai vake, achireva kuti haabvumidzwi kuswedera pedyo (kuita bonde) naye). Uye havana kuita vana vamunotora muchichengeta, vana venyu vechokwadi. Uku kunongova kutaura kwenyu chete nemiromo yenyu. Asi Allah vanotaura chokwadi, uye vanotungamirira kunzira yakatwasuka
35.Zvirokwazvo, varume nemadzimai echiMuslim (vanozvipira kuna Allah), varume nemadzimai vanotenda muIslaam, varume nemadzimai vanoteerera (Allah), varume nemadzimai vari pachokwadi, varume nemadzimai vanotsungirira, varume nemadzimai vanozvidzikisira (pamberi paTenzi vavo Allah), varume nemadzimai vanopa zvipo, varume nemadzimai vanotsanya (muRamadhaan nedzimwe nguva apo kutsanya kunenge kusingamanikidzirwi), varume nemadzimai vanochengetedza nhengo dzavo dzakavandika (kubva kuhupombwe), uye varume nemadzimai vanorangarira Allah zvakanyanya (kuburikidza nemuhana dzavo nezvavanotaura), Allah vavagadzirira ruregerero uye mubairo mukuru (Paradhiso)
37.Uye (rangarirai) apo pawakati kwaari (Zaid Ibn Haarithah (RA)) uyo Allah vakamukomborera (nekumupinza muIslaam), uye newe ukamukomborera (nekumusunungura kubva muuranda): “Ramba une mudzimi wako, uye itya Allah!” Asi wakavanza muhana yako (kuti ucharoora murambiwa naZaid) izvo Allah vachave vanoburitsa. Uchitya vanhu (kuti vachati waroora murambiwa waZaid), uye Allah ndivo vanekodzero kuti uvatye. Nokudaro apo Zaid akamuramba, takave tinomuroodza kwauri, nemhaka yokuti (mune ramangwana) pasazove nedambudziko pakati pevatendi kuroora vakadzi vevanakomana vavakarera vasiri vavo apo vanenge vavaramba (madzimai avo). Uye murairo waAllah unofanirwa kuzadzikiswa
50.Iwe muporofita (Muhammad (SAW))! Zvirokwazvo, takabvumidza kwauri madzimai ako, avo wavakabvisira Mahr (Mari inobviswa nemurume achipa mudzimai wake), uye avo varandakadzi vaunochengeta vawakapiwa naAllah, nevanasikana vana sekuru vako (kudivi rababa), uye nevanasikana vana tete vako (kudivi rababa), uye nevanasikana vana sekuru vako kudivi raamai, uye nevanasikana vana maiguru nanamainini kudivi raamai, avo vanenge vatama (kubva kuMakkah) pamwe newe, uye nemudzimai anotenda kana achinge azvipa kuna muporofita uye muporofita vodawo kumuroora, chipo (ruremekedzo) kwauri chete, kwete kuvatendi vese. Zvirokwazvo, tinoziva izvo zvatakavakomekedza pamusoro pemadzimai avo uye varandakadzi vavo avo vavanochengeta kuti pasazove nedambudziko kwauri. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane ngoni zhinji
53.Imi vatendi! Musapinda mudzimba dzemuporofita (SAW) kusara kwekuti mvumo yapiwa kwamuri yekuti mudye kwete (kukasika kuuya) kuzomirira gadziriro yacho. Asi kana muchinge makokwa, pindai, uye kana muchinge matora kudya kwenyu shaikai musina kumirira kana nyaya. Zvirokwazvo (kahunhu kakadero), kanogumbura muporofita uye vanokunyarai (kukutaurirai kuti muchienda). Asi Allah havanyari (kukuudzai) chokwadi. Uye kana muchibvunza chero zvamunoda kumadzimai ake, vabvunzei muri seri kwechimwe chinhu, izvi ndizvo zvinhu zvakarurama pamoyo penyo neyavo. Uye hazvina kunaka kuti mugumbure mutumwa waAllah (SAW), kana kuti kuroora madzimai ake mushure mekufa kwake. Zvirokwazvo, izvi naAllah zvichange zviri chitadzo chikuru