عبدالله ج.م. عديني و دانشجويان · chiShona

١.Zvirokwazvo, takakuita (Muhammad (SAW)) kuti ukunde zviri pachena
٢٩.Muhammad (SAW) mutumwa waAllah. Uye avo vanaye vakasimba moyo vakanangana nevasingatendi, uye ivo vane tsitsi pachavo. Unovaona vachipfugama (vachinamata) vachizvininipisa, vachikumbira nyasha nemufaro waAllah. Zviratidzo zvavo (zvekutenda) zviri pazviso zvavo nokuda kwekupfugama (vachinamata). Ndiyo tsananguro yavo muTorah. Asi tsananguro yavo muInjeel (Vhangeri) iri sekumera kunoita mbesa yobva yareba yobva yatwasuka yakasimba padzinde ichinakidza vadyari, kuti vatyise maKuffaar (vasingatendi) navo. Allah vakavimbisa avo vanotenda mukati mavo uye vachiita mabasa akanaka, ruregerero nemubairo mukuru (Paradhiso)
سورة الفتح – ترجمة عبدالله ج.م. عديني و دانشجويان (chiShona) | FORGHAN