١.Avo vasingatendi (muIslaam), uye vanorambidza vanhu kupinda munzira yaAllah, vachaita kuti mabasa avo ave asina maturo
٢.Uye avo vanotenda uye vachiita mabasa akanaka, uye vachitenda kune zvakatumirwa kuna Muhammad (SAW), icho chiri chokwadi kubva kuna Tenzi vavo, vachavakanganwira zvitadzo zvavo, uyezve vachaita mamiriro avo ave akanaka
٣.Nokuda kwekuti avo vasingatendi vanotevera manyepo, uye zvirokwazvo avo vanotenda vanotevera chokwadi kubva kuna Tenzi vavo. Saizvozvo Allah vanoratidza vanhu mienzaniso yavo
٤.Zvino kana masangana neavo vasingatendi (kurwa navo), varovei mitsipa yavo kusvikira mavauraya uye makuvadza vakawanda vavo, uye movasunga zvakasimba (movatora senhapwa). Mushure mezvo vaitirei tsitsi (movasungura zvisina mubhadharo), kana kuti motora mubhadharo (zvamunoona zvichibatsira Islaam), kusvikira hondo yanyarara. Naizvozvo dai Allah vaida, zvirokwazvo dai vakavaranga pachavo, asi (kurwa) vakakuitira kuedza vamwe venyu kuburikidza nevamwe. Uye avo vanouraiwa munzira yaAllah, havasi kuzosiya mabasa avo achitambisika (pasina mugove)
٦.Uye vachavaendesa kuParadhiso iro ravakaita kuti rizivikanwe kwavari (Vachaziva nzwimbo dzavo muParadhiso kukunda maziviro avaiita dzimba dzavo panyika)
٧.Imi vanotenda! Kana mukabetsera (munzira ya) Allah, ivo vachakubetseraiwo, uye vachaita kuti makumbo enyu agwinye
٨.Asi avo vasingatendi (muhumwechete waAllah), kwavari kuchave nekuparadzwa, uye vachaita (Allah) kuti mabasa avo ave asina maturo
٩.Nokuda kwekuti vanovenga izvo zvakatumirwa naAllah (iri Qur’aan nemitemo yechi Islaam), naizvozvo vaita kuti mabasa avo ashaye maturo
١٠.Havana here kufamba munyika vakaona mhedzisiro yeavo vakange vari mumashure mavo? Allah vakavaparadza zvachose, uye zvimwechetezvo zvakamirira vasingatendi
١١.Nokuda kwekuti zvirokwazvo Allah ndivo mubetseri (mambo nemudziviriri) weavo vanotenda, uye vasingatendi havana mubetseri
١٢.Zvirokwazvo, Allah vachaendesa avo vanotenda (muhumwechete wavo) uye vachiita mabasa akanaka kuParadhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro; uye apo avo vasingatendi vachinakirwa nekudya sokudya kunoita mombe; uye moto uchava nzvimbo yavo yokugara
١٣.Uye maguta mangani akanga aiine simba kukunda guta rako (Makkah) rakakudzinga, avo atakaparadza. Uye pakanga pasina kana mubetseri kwavari
١٤.Akafanana here uyo ari muchiedza kubva kuna Tenzi vake neavo zvitadzo zvavo zvinoitwa sezvakanaka kwavari, apo vachitevera zvido zvavo (zvakaipa)
١٥.Muenzaniso weParadhiso iro rakavimbiswa vatsvene (ndewekuti) mariri mune nzizi dzemvura idzo maraviriro nemweya wacho haushanduki, uye nzizi dzemukaka usingashanduki, uye nzizi dzewaini inonaka kune avo vanoinwa, uye nzizi dzeuchi hwakachenurwa, uye imomo vachange vaine ndudzi dzose dzemichero, uye nekuregererwa naTenzi vavo. Vakafanana here neavo vachagara mumoto zvachose vachipiwa mvura inokwata ichipisa iyo ichadambura matumbu avo
١٦.Uyezve mukati mavo mune vanokuteerera (Muhammad (SAW)) kusvikira vabva kwauri, vanoti kune avo vakagamuchira ruzivo: “Chii chaarikutaura zvino?” Vanhu vakadaro ndivo vakavharwa moyo yavo naAllah, uyezve vanotevera zvido zvavo (zvakaipa)
١٧.Uye avo vakatungamirwa, vanovawedzera kutungamirwa kwavo uye vanovapa Taqwa (Kutya Allah vovaita vatsvene)
١٨.Vakamirira here chimwe chinhu kunze kwenguva kuti iuye ivo vakavarairwa? Asi mviro mviro dzacho dzakatouya; zvino kana yave pavari, vachabetserekana sei nekurangarira kwavo
١٩.Naizvozvo chiziva (Muhammad (SAW)) kuti, Laa ilaaha illallaah (Hakuna mumwe mwari akafanira kunamatwa kunze kwaAllah), uye kumbira ruregerero pazvitadzo zvako uye nezvevatendi varume nevakadzi. Uye Allah vanoziva kufamba kwenyu, uye nenzvimbo dzenyu dzekuzororera
٢٠.Uye avo vanotenda vanoti: “Ko sei chikamu (cheQur’aan) chisingadzikiswi?” Asi kana chikamu chadzikiswa chichitsanangura (zvinhu), uye nekurwa kuchitaurwa machiri, uchaona avo vane chirwere mumoyo yavo (cheunyengedzi) vachitarisa kwauri matarisiro euyo ave kukomoka zvokufa. Asi zvakanga zviri nani kwavari (kuti vateerere)
٢١.Kuteerera (Allah) uye mashoko akanaka (akavanakira). Naizvozvo kana hurongwa (weJihaad) hwatarwa, zvino dai vange vari pachokwadi kuna Allah, zvingadai zvakavanakira
٢٣.Vanhu vakadaro ndeavo vakashorwa naAllah. Naizvozvo vakavaita kuti vasanzwe uyezve vakavaita kuti vasaone
٢٥.Zvirokwazvo, vakadzokera shure (kubuda muIslaam) mushure mokunge kutungamirwa kwajekeswa kwavari, satani akaita kuti zvive zvakanaka kwavari, uye (Allah) ndokurebesa nguva yavo
٢٦.Nokuda kwekuti vakati kune avo vanovenga izvo zvakatumirwa naAllah: “Tichakuteererai pane zvimwe.” Asi Allah vanoziva zvakavanzika zvavo
٢٧.Zvino zvichange zvakaita sei apo ngirozi dzichatora hupenyu hwavo pakufa, dzichirova zviso zvavo uye nekumashure kwavo
٢٨.Nokuda kwekuti vakatevera izvo zvakatsamwisa Allah uye vakavenga izvo zvaivafadza. Nokudaro vakaita kuti mabasa avo ave asina maturo
٢٩.Kana kuti avo vanechirwere mumoyo yavo (cheunyengedzi), vanofunga kuti Allah havasi kuzoburitsa pachena zvido zvakaipa zvavo zvakavanzika
٣٠.Dai taida, tingadai takavaratidza kwamuri, uye dai hwakavaziva nezviratidzo zvavo; asi chokwadi uchavaziva nokuda kwemataurirwo avo! Uye Allah vanoziva mabasa avo ose
٣١.Uye chokwadi tichakuedzai kusvikira taziva avo vanoshinga munzira yaAllah uye vane tariro, uye tichaedza humboo hwenyu (ari kunyepa uye ari pachokwadi)
٣٢.Zvirokwazvo, avo vasingatendi, uye vanorambidza vanhu nzira yaAllah (Islaam), uye vanopikisa mutumwa (Muhammad (SAW)) mushure mokunge kutungamirwa kwauya pachena kwavari, havasi kana kurwadzisa Allah, uye vachaita (Allah) mabasa avo ave asina maturo
٣٣.Imi vanotenda! Teererai Allah, uye moteerera mutumwa (Muhammad (SAW)), uye musaite mabasa enyu ave asina maturo
٣٤.Zvirokwazvo, avo vasingatendi, uye vanorambidza vanhu nzira yaAllah (Islaam); uye vobva vafa vasingatendi, Allah havasi kuzovaregerera
٣٥.Naizvozvo musanete kana kudaidzira runyararo imi muine mukana wepamusoro. Allah vanemi, uye havambodzikisa mugove wemabasa enyu
٣٦.Zvirokwazvo, hupenyu hwenyika ino kutamba chete nekufambisa nguva. Asi kana imi mukatenda (muhumwechete waAllah) nekuvatya nekusiya zvakaipa, vachakupai mugove wenyu, uye havambokukumbirai upfumi hwenyu
٣٨.Tarisai! Ndimi avo vari kudaidzwa kuti mushandise (hupfumi) hwenyu munzira yaAllah, asi mukati menyu mune vamwe vakaomera. Uye uyo akaomera, zvirokwazvo akaomera iye pachake. Asi Allah mupfumi, uye imi muri varombo. Uye kana mukafuratira (Islaam nekuteerera Allah), vachakutsivai nevamwe vanhu vasiri imi, uye havazoiti semi