عبدالله ج.م. عديني و دانشجويان · chiShona

١.Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
١٥.Uye takakomekedza munhu kuti abetsere vabereki vake, nekuve nemoyo munyoro kwavari. Amai vake vakamutakura mumatambudziko uye vakamubereka vachitambudzika. Uye kumutakura nekumuyamwisa kwakatora mwedzi makumi matatu, kusvikira apo paanenge anesimba rakakwana uye asvika makore makumi mana, obva ati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo simba kuti ndikwanise kutenda makomborero amakandipa nevabereki vangu, uye kuti ndikwanise kuita mabasa akanaka ayo amunofarira, uye mhuri yangu moiita yakanaka. Chokwadi, ndatarisa kwamuri ndichikumbira ruregerero rwenyu, uye chokwadi, ndiri umwe wevatendi (maMuslim).”