١.Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
٤.Uye zvirokwazvo (Qur’aan) riri muna Amai veBhuku (Al-Lauh Al-Mahfoodh) nesu, zvirokwazvo ndere pamusoro, rizere neungwaru
٩.Uye zvirokwazvo ukavabvunza: “Ndiani akasika matenga nenyika?” Zvirokwazvo, vachataura kuti: “Samasimba vane ruzivo rwose ndivo vakawasika.”
١٠.Avo vakakugadzirirai nyika semubhedha, uye vakakugadzirirai nzira mairi, kuti muve munotungamirirwa (munofamba zvakanaka)
١١.Uye avo vanotumira mvura (inonaya) kubva kudenga zvakaenzanirana, naizvozvo tinopa upenyu kuivhu nayo mvura, uye saizvozvo muchava munodzoswa (kuupenyu mushure mekunge mafa)
١٢.Uye avo vakasika zvinhu zvose zviri zviviri zviviri (chirume nechikadzi), uye vakakugadzirirai ngarava nezvipfuyo izvo zvamunotasva
١٣.Kuti muve munotasva kumisana yazvo (zvipfuyo), uye kuti muve munorangarira makomborero aTenzi venyu pamunotasva, uye moti: “Kurumbidzwa ngakuve kune avo vakatungamidza izvi kwatiri, uye hataikwanisa kuzviwana (nekuda kwesimba redu)!”
١٥.Asi vanovasanganisa (Allah) nechidimbu kubva mune vamwe varanda vavo (vachiti vane vana uye vachivaenzanisa pakunamata). Zvirokwazvo, munhu ari mukusatenda kuri pachena
١٦.Kana kuti (Allah) vakatora vanasikana kubva mune zvavakasika, uye ivo (Allah) vakakusarudzirai imi vanakomana
١٧.Uye kana umwe wavo akaudzwa nezvemashoko (ekuzvarwa kwemwanasikana) zvaanotaura kune Mupi wenyasha (Allah), chiso chake chinosviba uye anozadzwa nekutsamwa
١٨.Uyo anokudzwa achishongedzwa (achipfekedzwa siriki negoridhe, mukadzi), uye asingakwanisi pakupokana kutaura mashoko ari pachena
١٩.Uye vanoita ngirozi izvo dziri varanda veMupi ane nyasha (Allah), vakadzi. Vakamboona kusikwa kwazvo here? Uchapupu hwavo hwuchanyorwa uye vachabvunzwa
٢٠.Uye vanoti: “Dai kusiri kuda kweMupi ane nyasha (Allah), tingadai tisina kuzvinamata.” Havana ruzivo nazvo, uye hapana chavanoita kusara kwekunyepa
٢٢.Asi vanoti: “Takawana madzibaba edu vachitevera imwe nzira nechitendero, uye tinozvitungamirira kuburikidza netsoka dzavo.”
٢٣.Uye saizvozvo, hatina kutuma muyambiri mushure mako (Muhammad (SAW)) kune guta ripi zvarwo (vanhu), asi vaigara zvakanaka pakati pavo vakati: “Zvirokwazvo, takawana madzibaba edu vachitevera imwe nzira nechitendero, uye zvirokwazvo ticharamba tichitevera tsoka dzavo.”
٢٤.(Muyambiri) akati: “Kunyangwe ndakuunzirai gwara rakanaka pane ramakawana madzibaba enyu achitevera?” Vakati: “Zvirokwazvo, hatitendi mune zvawakatumwa nazvo.”
٢٦.Uye (Rangarira) apo Abrahamu paakati kuna baba vake nevanhu vake: “Zvirokwazvo, handipo pane zvamunonamata.”
٢٨.Uye akariita shoko (Laa ilaaha illallaah (Hapana chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah)) rinogara muvana vake, uye kuti zvimwe vangadzoke (kuna Allah kana kuwana yambiro)
٢٩.Asi ndakapa (zvakanaka zvehupenyu hwuno) kune ava (vasingatendi) nemadzibaba avo kuti vafare, kusvikira chokwadi chauya kwavari (Qur’aan), nemutumwa (Muhammad (SAW)) ari pachena (anoburitsa zvinhu zvese pachena)
٣٠.Asi pakauya chokwadi kwavari (Qur’aan), vakati (vasingatendi mariri): “Aya ndiwo mapipi, uye hatitendi maari.”
٣٢.Ndivo here vanopa tsitsi dzaTenzi vako? Tisu tinopa pakati pavo raramo yavo muhupenyu hwepano pasi, uye tinosimudzira vamwe vavo pamusoro pevamwe muzvidanho, kuti vamwe vave vanotora vamwe mumabasa avo. Asi tsitsi dzaTenzi vako (Paradhiso) dziri nani pane zvavanounganidza
٣٣.Uye dai vanhu vakanga vari boka rimwe chete (vasingatendi), tingadai takapa vanhu vasingatendi muna Mupi ane nyasha (Allah) matenga esirivha edzimba dzavo, nemanera avanokwira nawo
٣٥.Uye shongedzo dzegoridhe. Asi zvose izvi hapana zvazviri kusara kwemafaro epano panyika. Uye hupenyu hwuchatevera hwuna Tenzi vako ndewe avo vanotya Allah (vanoteerera Allah)
٣٦.Uye uyo anofuratira kubva kurangariro yeMupi ane nyasha (Allah) (Qur’aan nekunamata Allah), tinomusarudzira Satani kuti ave shamwari yake
٣٧.Uye zvirokwazvo vanasatani vanovadzivirira kubva munzira (yaAllah), asi vanofunga kuti vakatungamiririrwa
٣٨.Kusvika (iye) auya kwatiri, anoti (kushamwari yake satani): “Ndinoshuvira kuti dai pakati pangu newe pange pane musiyano wemufambo wemabvazuva maviri (kana wemabvazuva nemadokero).” Zvirokwazvo uri shamwari yakaipa
٣٩.Hazvikubatsirei zuva ranhasi (imi vasingatendi) nekuti maiita zvakaipa. Muchava vagovani (iwe neshamwari yako) mumarwadzo
٤٠.Muhammad (SAW)) ungaite kuti matsi anzwe here, kana kutungamirira bofu, kana uyo ari mukurasika kuri pachena
٤٣.Naizvozvo batisisa (Muhammad (SAW)) izvo zvirikudzikiswa kwauri. Zvirokwazvo, uri panzira yakaswatuka
٤٤.Uye zvirokwazvo (Qur’aan) iri zvirokwazvo iyambiro kwauri (Muhammad (SAW)) nevanhu vako, uye muchabvunzwa (nezvaro)
٤٥.Uye (Muhammad (SAW)) bvunza vamwe vevatumwa vedu vatakatuma mushure mako kuti: “Takasarudza here vamwe vanamwari kuti vave vanonamatwa kunze kweMupi ane nyasha (Allah)?”
٤٦.Uye zvirokwazvo takatuma Musa nezviratidzo zvedu kuna Farawo nemadzimambo ake (achivakoka kuchitendero chaAllah cheIslaam). Akati: “Zvirokwazvo, ndiri mutumwa waTenzi vepasi rose (vanhu nemaJinn nezvihnu zvese).”
٤٨.Uye hapana chiratidzo chatakavaratidza asi kuti chaiva chikuru kudarika chimwe chacho, uye takavabata nemarwadzo kuti pamwe vangadzoke (kuchitendero chaAllah, Islaam)
٤٩.Uye vakati (kuna Musa): “Iwe wemapipi! Tikumbirire kuna Tenzi vako maererano nezvavakakuvimbisa. Zvirokwazvo, tichava tinozvitungamirira (zvakanaka).”
٥٠.Asi patakabvisa mutongo kwavari, vakave vanotyora chitsidzo (kuti vaizotenda tikabvisa marwadzo kubva kwavari)
٥١.Uye Farawo akasheedzera kuvanhu vake (achiti): “Imi vanhu vangu! Hausi hwangu here humambo hweEgypt, uye nzizi idzi dzinoyerera pasi pangu? Hamuoni here?”
٥٤.Naizvozvo (Farawo) akafurira vanhu vake uye vakamuteerera. Zvirokwazvo, vange vari vanhu vakapanduka (vasingateereri Allah)
٥٨.Uye vanoti: “Vanamwari vedu vari nani here kana kuti iye (Jesu)?” Havape muenzaniso uyu, kusara kwekuda kupikisa. Naizvozvo vari vanhu vanopikisa
٥٩.Zvirokwazvo, (Isa (Jesu)) anga asiri kunze kwemuranda. Takamupa makomborero edu, uye tikamuita muenzaniso kuvana vaIzirairi (kusikwa kwake pasina baba)
٦٠.Uye dai taida, ingadai (takakuparadzai imi vanhu mese, uye) tikaisa ngirozi pachinzvimbo chenyu panyika
٦١.Uye iye (Isa (Jesu)) mwanakomana waMariya (nekuburuka kwake achibva kudenga achiuya pasi pano) achave chiratidzo chinozivikanwa chenguva (zuva rekutongwa). Naizvozvo musave nefungidziro pamusoro paro (zuva rekutongwa). Uye nditeverei (ini Allah)! Iri ndiro gwara rakatwasuka (Islaam)
٦٢.Uye musave munosiya Satani achikurasisai (kubva muchitendero cheIslaam). Zvirokwazvo, (satani) muvengi ari pachena kwamuri
٦٣.Uye Isa (Jesu) paakauya nehumboo huri pachena akati: “Zvirokwazvo, ndave ndinouya kwamuri neAl-Hikmah ( Huporofita), uye kuti ndive ndinoburitsa pachena izvo zvamaisiyana. Naizvozvo ityai Allah uye mova munonditeerera.”
٦٤.“Zvirokwazvo, Allah ndi Tenzi vangu uye Tenzi venyu. Naizvozvo vanamatei. Iri ndiro gwara rakatwasuka (Islaam).”
٦٥.Asi mapato pakati pavo akapatsanurana. Nokudaro matambudziko kune avo vanokanganisa (nekutaura manyepo pamusoro paJesu) kubva kune mutongo wakaomarara unorwadza
٦٨.(Zvichanzi kune avo vaitenda): Vanamati vangu! Hapana kutya kuchave kwamuri zuva ranhasi, kana kuti kusuruvara
٧١.Matireyi egoridhe nemakomichi achatenderedzwa mavari. Mariri (Paradhiso) muchange muine zvinoshuvirwa nemoyo yavo, neizvo meso anoyevedzwa nazvo, uye vachagaramo zvachose
٧٣.Mariri (Paradhiso) kwamuri muchange muine michero yakawanda yamuchange muchidya (sezvamunoshuvira)
٧٥.Marwadzo haazomborerutswi kwavari, uye vachakandwa mumatambudziko vaine kudemba kwakanyanya, uye vaine kushushikana mariri
٧٧.Uye vachachema: “Iwe Malik (muchengetedzi weGehena)! Ita kuti Tenzi vako vatipedzise (vatiuraye).” Achati: “Zvirokwazvo, muchagaramo zvachose.”
٧٨.Zvirokwazvo, taunza chokwadi (Muhammad (SAW) neQur’aan) kwamuri, asi vazhinji venyu vanovenga chokwadi
٨٠.Kana kuti vanofunga here kuti hatinzwi zvakavandika zvavo uye zvavanoutaura muchivande? Hongu (tinozinzwa), uye vatumwa vedu (ngirozi) vanawo, vachinyora
٨١.Iti (Muhammad (SAW)): “Kana vane nyasha dzose (Allah) vaine mwana (kana vana sezvamunotaura), naizvozvo ndiri wekutanga weavo vanomunamata (kuramba zvamunotaura, uye kutenda kuti Allah vari vega uye havana vana).”
٨٢.Kukudzwa kwose ngakuve kuna Tenzi vematenga nenyika, Tenzi vechigaro chepamusoro-soro. Kurumbidzwa kwose ngakuve kwavari pane zvose zvavanovasanganisa navo
٨٣.Saka vasiyei vachitaura zvisina maturo uye vachitamba kusvikira vasangana nezuva ravo iro ravakavimbiswa
٨٤.Ndivo (Allah) vanova vamwechete Ilaah (Mwari vanofanirwa kunamatwa) kudenga, vanova zvakare Ilaah (Mwari vanofanirwa kunamatwa) panyika. Ndivo vazere neungwaru, muzivi wezvose
٨٥.Makomborero ndeavo, muridzi weumambo hwekudenga nepasi, nezvose zviri pakati pawo, uye kwavari ndiko kune ruzivo rwenguva, uye kwavari muchadzoserwa (mese)
٨٦.Uye avo vavanodana kunze kwavo (Allah) havana masimba ekumiririra – kusara kweavo vanopa uchapupu pachokwadi (vanotenda muhumwechete hwaAllah uye vachiteerera mirairo yavo), uye vanoziva (humwechete hwaAllah)
٨٧.Asi kana ukavabvunza kuti ndiani akavasika, muzvokwadi vanoti: “Allah.” Saka vanofuratira sei (mukunamata Allah vakavasika)
٨٨.(Uye Allah vane ruzivo) rwe (Mashoko aMuhammad (SAW)) anoti: “Tenzi wangu! Zvirokwazvo, ava vanhu vasingatendi!”