٢.Ain – Seen – Qaaf. (Mashoko ari mundima yekutanga neechipiri ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
٣.Nokudaro Allah, samasimba vane ungwaru hwose, vanotumira (vanodzikisa) mashoko kwauri (Muhammad (SAW)) sekudzikisa kwavakaita kune avo vaivepo mushure mako
٥.Matenga anopotsa kupatsanuka pamusoro pawo (nekuda kweukuru hwavo), uye ngirozi dzinorumbidza rukudzo rwaTenzi wadzo, uye dzova dzinokumbirira ruregerero avo vari panyika. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rwose, netsitsi dzose
٦.Uye avo vanotora (ana mwari venhema) sevabatsiri vachivasiya (Allah), Allah ndivo mutariri wavo (vanoona zviito zvavo uye vachavapa mubairo wazvo), uye iwe (Muhammad (SAW)) hausi muchengetedzi (mumiririri) pamusoro pavo (wemabasa avo)
٧.Uye naizvozvo takava tinotumira kwauri (Muhammad (SAW)) Qur’aan murudzi rwechiArab kuti uve unoyambira amai vemaguta (Makkah) nezvakaikomberedza, uye kuyambira nezvezuva regungano iro risina fungidziro, apo rimwe bato richave muParadhiso (avo vaitenda muna Allah uye vachitevera dzidziso dzaMuhammad (SAW)), uye rimwe bato mumarimi emoto (avo vaisatenda munaAllah uye vasingatevedzeri dzidziso dzaMuhammad (SAW)
٨.Uye dai Allah vaida, dai vakavaita boka rimwechete, asi Allah vanoisa uyo wavanoda mutsitsi dzavo. Uye avo vanoita mabasa akaipa havasi kuzowana mumiririri kana mubatsiri
٩.Kana kuti vave vanotora vabatsiri (vanamwari venhema) vachivasiya (Allah)? Asi Allah ndivo vega muchengeti. Uye ndivo vanopa hupenyu kune vakafa, uye vane simba rekuita zvose
١٠.Uye mune zvose zvamunopikisana, zvirokwazvo mutongo wazvo una Allah. (Uye iti Muhammad (SAW) kune vasingatendi): Ndivo Allah, Tenzi vangu avo vandinovimba navo, uye ndivo vandinokumbira ruregerero
١١.Musiki wedenga nenyika. Vakakugadzirirai vakadzi kubva kwamuri, uye mombe vakadzigadzirira mombe dzechikadzi. Nenzira iyi vanokusikai. Hapana chakafanana naivo, uye ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose
١٢.Ndivo vane svumbunuro dzedenga nenyika. Vanowedzera raramo kune uyo wavanoshuvira, uye kuderedza (kune wavanoshuvira). Zvirokwazvo, ndivo muzivi wezvose
١٣.Vakave (Allah) vanotsidza kwauri chitendero (Islaam) chavakatsidza kuna Nowa, uye neizvo zvatadzikisa kwauri (Muhammad (SAW)), uye neizvo zvatakatsidza kuna Abrahamu, Musa, uye Isa (Jesu), tichiti munofanira kuchengetedza chitendero uye musava munopatsanura machiri (kuva mapoka akasiyana siyana). Hazvitambirwi kune avo vasingatendi, izvo zvaunovadeedzera (Muhammad (SAW)) kwazviri. Allah vanozvisarudzira uyo wavanoda, uye vanomutungamirira uyo anokumbira ruregerero uye achivateerera
١٤.Uye havana kupatsanuka kusara kwemushure mekunge ruzivo rwauya kwavari, nokuda kwekupfurikidza mwero pakati pavo. Uye dai risiri shoko rakauya kwavari kubva kuna Tenzi vako kwenguva yakatarwa, dai zvakagadziriswa pakati pavo izvo zvainetsa. Uye zvirokwazvo avo vakagariswa nhaka yeGwaro (Torah neVhangeri) mushure mavo (maJudha nemaKristu) vari mufungidziro zvikuru pamusoro pacho (chi Islaam)
١٥.Saka naizvozvo shevedza (vanhu) (iwe Muhammad (SAW)), uye mira zvakasimba (uri muchi Islaam) sekukomekedzwa kwawakaitwa, uye usave unotevedzera zvido zvavo, uye iti: “Ndinotenda mune zvakadzikiswa naAllah mumabhuku ese (Qur’aan nemabhuku ari mushure maro, Torah, Injeel (Vhangeri), nebhuku raAbrahamu), uye ndava ndinokomekedzwa kuenzanisa pakati penyu. Allah ndiTenzi vedu uye Tenzi venyu. Isu tine mabasa edu uye imi mune mabasa enyu. Hapana kupokana pakati pedu nemi. Allah vachava vanotiunganidza tose, uye kwavari ndiko kwatichadzokera.”
١٦.Uye avo vanopikisa pamusoro paAllah (chitendero chavo Islaam) mushure mekunge chatambirwa (nevanhu), kupikisa kwavo hakuna basa pamberi paAllah, Tenzi vavo, uye kutsamwa nemarwadzo akanyanya zvichange zviri kwavari
١٧.Allah ndivo vakadzikisa Bhuku (Qur’aan) muzvokwadi, uye chikero (kuti muve munoenzanisa). Uye chii chinoita kuti uzive kuti dzimwe nguva, nguva yekupedzisira yava pedyo
١٨.Avo vasingatendi mairi (nguva yekupedzisira) vanoda kuti ikurumidze, asi avo vanotenda, vanoitya zvakanyanya, uye vanoziva kuti zvirokwazvo ichokwadi. Zvirokwazvo, avo vanopikisa maererano nenguva (yekupedzisira) vari mukurasika zvakanyanya
١٩.Allah vane tsitsi kuvaranda vavo. Vanopa raramo kune wavanoda. Uye ndivo samasimba, mukuru wezvose
٢٠.Uyo anoda (nemabasa ake) mubairo wehupenyu huchatevera, tinova tinomuwedzera mubairo wake; uye uyo anoda mubairo wepasi pano (nemabasa ake), tinomupa (Pano pasi), uye achange asina chidimbu muhupenyu hwemangwana
٢١.Kana kuti vane vabatsiri vakavagadzirira chitendero chisina mvumo kubva kuna Allah? Uye dai rakanga risiri shoko rechokwadi (rakataurwa kare naAllah), iyi nyaya ingadai yakatongwa pakati pavo. Uye zvirokwazvo vatadzi vachange vaine mutongo unorwadza
٢٢.Uchaona (pazuva rekutongwa) vatadzi vachitya zvavakawana, uye marwadzo achava anovawira. Uye avo vanotenda (muIslaam) nekuita mabasa akanaka, vachange vari mumapindu emuParadhiso. Vachange vaine zvose zvavanoshuvira kuna Tenzi vavo. Iwawo ndiwo makomborero makuru (Paradhiso)
٢٣.Iyo ndiyo Paradhiso iyo Allah vanopa mashoko akanaka kuvaranda vavo vanotenda nekuita mabasa akanaka. Iti (Muhammad (SAW)): “Handisi kukukumbirai mubairo pazviri kusara kwetsitsi dzenyu kwandiri neukama hwangu nemi.” Uye uyo anowana basa rakanaka tichava tinomuwedzera zvakanaka. Zvirokwazvo, Allah ndivo muregereri, mutendi (anotenda mabasa akanaka anoitwa neavo vanomuteerera)
٢٤.Kana kuti vari kuti: “Akagadzira manyepo pamusoro paAllah?” Kana Allah vaida, vangadai vakavhara moyo wako (kuti ukanganwe Qur’aan rese). Uye vanodzima manyepo nekubuditsa chokwadi pachena neshoko ravo (Qur’aan). Zvirokwazvo, (Allah) vanoziva zvese zviri mumatundundu
٢٥.Uye ndivo vanotambira ruregerero kubva kuvaranda vavo, uye kuregerera zvitadzo, uye vanoziva zvamunoita
٢٦.Uye (Allah) vanodaira avo vanotenda vachiita mabasa akanaka, uye vovawedzera kubva mumakomborero avo (Allah). Uye kune avo vasingatendi, kwavari vachava nemutongo wakaomarara
٢٧.Uye dai Allah vakawedzera raramo kuvaranda vavo, zvirokwazvo vaizopanduka panyika, asi vanotumira zvine chiero sekuda kwavo. Zvirokwazvo, (Allah) varanda vavo vanovaziva pamwechete nekuvaona
٢٨.Uye ndivo vanotumira mvura mushure mekunge (vanhu) vashushikana, uye voparadzira tsitsi dzavo. Uye ndivo Wali (Muchengeti, Tenzi), vane kodzero yekurumbidzwa
٢٩.Uye muzviratidzo zvavo mune kusikwa kwematenga nenyika, uye zvisikwa zvose zvinofamba zvavakaparadzira maari ese. Uye (Allah) vanokwanisa kuzviunganidza zvose pamwechete kana vada
٣٠.Uye chose chakaipa chinokuwana, chinokuwana nekuda kwezvaunenge wabata nemaoko ako. Uye (Allah) vanoregerera kazhinji
٣١.Uye hamukwanisi kutiza (mutongo wa) Allah pano panyika, uye kunze kwaAllah hamuna mumwe muchengeti kana mubatsiri
٣٣.Kana vachida, vanoita kuti mhepo ipere kuvhuvhuta, naizvozvo zvobva (ngarava) dzamira pamusoro (pemvura mugungwa). Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune wese anotsungirira uye achitenda
٣٤.Kana kuti (Allah) vanovaparadza (vanhu) (nekunyura kwengarava) nekuda kwezvavakawana. Uye vanoregerera zvakanyanya
٣٥.Uye avo vanopikisa maererano nezviratidzo zvedu, kuti vazive kuti hakuna nzvimbo yavo yekutizira (kubva kumutongo waAllah)
٣٦.Saka chose chamakapihwa chingave chii zvacho anongova mafaro ehupenyu hwepano panyika, asi izvo zvina Allah (Paradhiso) zviri nani uye hazviperi kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah), uye vachiisa kuvimba kwavo muna Tenzi vavo (munyaya dzavo dzese)
٣٧.Uye avo vanozvidzora kubva mukuita zvitadzo zvikuru, uye Al-Fawaahish (cheupombwe), uye kana vachinge vatsamwa vanoregerera
٣٨.Uye avo vanodaira kudana kwaTenzi vavo (kuti vatende kuti vamwechete uye kuvanamata), uye vachiita Swalaah, neavo vanofambisa nyaya dzavo kuburikidza nekupana mazano, uye vachipa kubva kune izvo zvatakavapa
٤٠.Mugove wechakaipa ndechakaipa chakafanana nacho, asi uyo anoregerera uye owadzanisa, mugove wake una Allah. Zvirokwazvo, Allah havafariri vatadzi
٤١.Uye zvirokwazvo uyo anotsiva mushure mekunge akanganisirwa, kune avo hapana nzira (yekupomerwa mhosva) kwavari
٤٢.Zvirokwazvo, nzira (yekupomera mhosva) iri kune avo vanodzvinyirira vanhu uye vachipanduka panyika zvisina kodzero. Kwavari kuchave nemutongo unorwadza wakaoma
٤٣.Uye zvirokwazvo ani nani anotsungirira uye oregerera, izvi zvirokwazvo zvinenge zviri zvinhu zvinobva kune zvinokurudzirwa naAllah
٤٤.Uye uyo Allah wavanoita kuti arasike, kwaari haana Wali (Mununuri) mushure mavo (Allah). Uye uchaona vatadzi apo pavachaona mutongo vachati: “Pane here chero nzira yekudzokera (Panyika)?”
٤٥.Uye uchavaona vachiunzwa kwariri (Gehena) vakazvininipisa nekuda kwekukudzikisrwa, vachitarisa zvinyoro-nyoro. Uye avo vanotenda vachati: “Zvirokwazvo, vakarasikirwa ndeavo vanorasikirwa pachavo pamwechete nemhuri dzavo pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo, vatadzi (vange vasingatendi) vachave nemutongo usingaperi.”
٤٦.Uye vachange vasina maAwliya (Vanunuri/Vabatsiri) kuti vavabatsire kunze kwaAllah. Uye uyo Allah wavanoita kuti arasike, kwaari hapana nzira (yekutevera)
٤٧.Dairai kudana kwaTenzi venyu (Tambirai Islaam imi vanhu nemaJinn) kusati kwasvika kubva kuna Allah zuva iro risingakwanisiki kutiza (zuva rekutongwa). Muchange musina kwekutizira zuva iri uye hamuzokwanisi kuramba (mhosva dzenyu nekuti dzakanyorwa mumabhuku emabasa enyu)
٤٨.Asi kana vachinge vafuratira (Iwe Muhammad (SAW)), (ziva kuti) hatina kukutumira kwavari semuchengetedzi. Basa rako nderekusvitsa shoko. Uye zvirokwazvo kana tichinge taita kuti munhu aravire tsitsi dzedu kubva kwatiri anofadzwa nazvo; asi kana chakaipa chikamuwira nekuda kwemabasa akaitwa nemaoko avo, naizvozvo zvirokwazvo munhu haatendi
٤٩.Allah ndivo muridzi weumambo hwematenga nepasi, vanosika zvavanoda. Vanopa vanasikana wavanoda uye vanopa wavanoda vanakomana
٥٠.Kana kuti vanopa vese vanakomana nevanasikana, uye vanoita ngomwa uyo wavanoda. Zvirokwazvo, vanoziva zvose uye vanokwanisa kuita zvinhu zvose
٥١.Hazvina kuva zvinopihwa munhu kuti Allah vanotaura naye kunze kwekunge riri shoko rinenge radzikiswa, kana kuti paine chidziro, kana kuti (Allah) vanotumira mutumwa kuti ave anobuditsa zvavanoda nekuda kwemvumo yavo. Zvirokwazvo, ndivo vepamusoro-soro, vazere neungwaru
٥٢.Saizvozvo takava tinotumira kwauri (Muhammad (SAW)) Rooh (Shoko uye tsitsi) nekuda kwedu. Hawaiziva Gwaro (Qur’aan) kana kuti chii chinonzi kutenda, asi takariita (Qur’aan) sechiedza chatinotungamidza nacho watinoda kubva kuvaranda vedu. Uye zvirokwazvo, (Muhammad (SAW) uri kutungamirira (vanhu) kunzira yakatwasuka (Islaam)
٥٣.Nzira yaAllah, avo vari muridzi hwezvose zviri mumatenga nezvose zviri pasi. Zvirokwazvo, zvinhu zvose mukuguma kwazvo zvichadzokera kuna Allah