١.Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
٣.Muregereri wezvitadzo, Mutambiri weruregerero, Vakaomesesa mumutongo, Mupi (wemakomborero). La ilaaha illaa Huwa (Hapana umwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo), kwavari ndiko kune magumo
٤.Hapana anopikisa muzviratidzo zvaAllah kunze kweavo vasingatendi. Saka (Muhammad (SAW)) usava unonyengedzwa nemafambiro avo panyika (nekuti magumo avo iGehena)
٥.Vanhu vaNowa vakaramba (vatumwa vavo) mushure mavo uye nezvikwata mushure mavo; uye marudzi ose (aisatenda) akarongera mutumwa wavo kuti vamuparadze, uye vaipikisa vachishandisa manyepo kuti vavhiringidze (vakanganise) chokwadi nawo. Naizvozvo ndakavaparadza (nemutongo). Uye wakaoma sei mutongo wangu
٧.Idzo (ngirozi) dzinotakura Chigaro (chaAllah) neidzo dzakachikomberedza dzinorumbidza rukudzo rwaTenzi wadzo, uye dzichitenda mavari, uye dzinokumbirira ruregerero avo vanotenda (muumwechete waAllah) dzichiti: “Tenzi wedu! Munokomberedza zvinhu zvose mutsitsi neruzivo, naizvozvo regererai avo vanokumbira ruregerero uye vachitevera nzira yenyu, uye vanunurei kubva kumutongo wemoto!”
٨.“Tenzi wedu! Movaita kuti vapinde mapindu eEden (Paradhiso) awo amakavavimbisa, uye kune vanoita mabasa akanaka kubva kune madzibaba avo, vakadzi vavo, uye vana vavo! Zvirokwazvo, ndimi Samasimba, Vane hungwaru hwose.”
٩.“Uye vanunurei kubva ku (mutongo wezvavaiita kubva ku) zvitadzo, uye ani nani wamunenge manunura kubva kuzvitadzo musi uyu, zvirokwazvo, munenge mamuratidza tsitsi.” Uye uku ndiko kubudirira kwepamusoro
١٠.Avo vasingatendi vachataurirwa (Panguva yekupinda mumoto): “Ruvengo rwaAllah rwanga rwakanyanya kwamuri (Panyika pamairamba kutenda) kudarika ruvengo rwenyu pachenyu (mumoto), pamaidaidzwa kuzotenda asi muchiramba.”
١١.Vachati: “Tenzi wedu! Makatiita kuti tife kaviri (takange takafa kumisana yavanababa vedu uye mushure meupenyu hwedu panyika), uye makatipa upenyu kaviri (upenyu patakazvarwa uye upenyu mushure mekunge tafa)! Uye tave tinopupura zvivi zvedu. Saka pane here nzira yokubuda nayo (mumoto)?”
١٢.(Vachaudzwa): “Nokuda kwekuti Allah chete pavaidaidzwa (mukunamata) maisatenda (mairamba), asi vamwe pavaisanganiswa navo, maitenda! Naizvozvo mutongo ndewa Allah, Vepamusoro-soro, Vakuru!”
١٣.Ndivo vanokuratidzai zviratidzo zvavo uye vanotumira raramo kwamuri kubva kudenga (mvura inokudza zvirimwa). Uye hapana anoyeuka kusara kweavo vanokumbira ruregerero (kuna Allah)
١٤.Naizvozvo, danai (iwe Muhammad (SAW) neavo vanotenda) Allah muchiita minamato yavo chete (nemabasa ese echitendero), kunyange vasingatendi vakazvivenga
١٥.(Ndivo Allah) Muridzi wezvinzvimbo zvepamusoro-soro, Muridzi weChigaro (chehumambo). Vanotumira mashoko nekuda kwavo kune uyo wavanoda kubva kuvaranda vavo, kuti ave anoyambira (vanhu) maererano nezvezuva rekusangana (Zuva rekutongwa)
١٦.Zuva iro ravachabuda vose, (uye) hapana chavo chichavanzwa kubva kuna Allah. Umambo ndewani muzuva ranhasi? (Allah vachazvipindura): Ndewa Allah, Vamwechete, Samasimba
١٧.Munhu wese achapihwa zvaakawana nhasi. Nhasi hapana ari kuzodzvanyirirwa. Zvirokwazvo, Allah vanokurumidza pakutonga
١٨.Uye vayeuchidze (Muhammad (SAW)) nezve zuva iri riri kuswedera pedyo, apo moyo ichange iri pahuro, uye havasi kuzokwanisa kuidzosera (moyo) muzvipfuva kana kuibuditsa panze. Vaiita mabasa akaipa havasi kuzova neshamwari, kana vamiririri, vari kuzoteererwa
٢٠.Uye Allah vanotonga muchokwadi, asi avo vavanonamata kunze kwavo, hapana chavanokwanisa kutonga. Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvese, vanoona zvese
٢١.Havana here kufamba munyika vakaona magumo eavo vaivapo mushure mavo? Vaive pamusoro pavo pasimba uye matsimba (avakasiya) ari panyika. Asi Allah vakavaparadza nemurango nekuda kwezvitadzo zvavo, uye havana akavachengetedza kubva kuna Allah
٢٢.Izvi zvaiva, nokuti kwakauya kwavari vatumwa vavo nezviratidzo zviri pachena asi havana kutenda. Naizvozvo Allah vakavaparadza (nemutongo). Zvirokwazvo, ndivo vane simba rose, vane mutongo wakaomarara
٢٥.Nokudaro paakavaunzira chokwadi kubva kwatiri, vakati: “Urayai vanakomana veavo vanotenda pamwechete naye mova munosiya vanhukadzi vavo kuti vararame.” Asi urongwa hwevasingatendi hauna budiriro asi kurasikirwa
٢٦.Farawo akati: “Ndisiyei ndiuraye Musa, uye musiyei adane Tenzi vake (kuti vandidzivise kuti ndisamuuraye)! Ndinotya kuti angasandure chitendero chenyu, kana kukonzeresa kuti panyika pave nenyonga-nyonga (Mhirizhonga)!”
٢٧.Musa akati: “Zvirokwazvo, ndinokumbira chengetedzo kubva kuna Tenzi vangu uye Tenzi venyu kubva kune wese anozvitutumadza asingatendi nezvezuva rekutongwa!”
٢٨.Uye murume aitenda kubva mumhuri yaFarawo akaviga kutenda kwake akati: “Munouraya murume here nekuti ati: Tenzi vangu ndi Allah, uye zvirokwazvo auya kwamuri nezviratidzo zviri pachena kubva kuna Tenzi venyu? Uye kana ari munyepi, kwaari anenge aine chitadzo chekunyepa kwake; asi kana achitaura chokwadi mamwe matambudziko ari kukuvimbisai achava anokuwirai.” Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri muMusrif (mudzvinyiriri, mhondi, mutadzi), munyepi
٢٩.“Vanhu vangu! Hutongi ndewenyu nhasi, ndimi vepamusoro munyika. Asi ndiani achatinunura kubva mumarwadzo aAllah kana achinge auya kwatiri?” Farawo akati: “Ndinokuratidzai zvandinoona (zvakanaka), uye ndinokutungamirirai kunzira yakatwasuka!”
٣٠.Uye uyo aitenda akati: “Vanhu vangu! Zvirokwazvo, ndinokutyirai (kuparadzwa) kwakafanana nekwezvikata (zvenguva yekare)!”
٣١.“Kunge kuparadzwa kwevanhu vaNowa, maAad nemaThamood neavo vakauya mushure mavo. Uye Allah havadi udzvanyiriri kuvaranda vavo.”
٣٢.“Uye, vanhu vangu! Zvirokwazvo, ndinokutyirai zuva rekushevedzana (kudaidzana) (Pakati pevanhu vekumoto nevekuParadhiso).”
٣٣.“Zuva ramuchatendeuka muchitiza musina mubetseri kubva kuna Allah. Uye uyo Allah wavanenge varasisa, hapana angamutungamirire.”
٣٤.“Uye zvirokwazvo Yusuf (Josefa) akauya kwamuri munguva yakapfuura aine zviratido zviri pachena, asi hamuna kusiya kugunun’una mune zvaakakuunzirai, kusvika afa, mukati: ‘Hapana mutumwa achatumwa naAllah mushure make.’ Kudaro Allah vanosiya achirasika muMusrif (mudzvanyiriri, mutadzi) neMurtaab (uyo anogunun’una yambiro yaAllah).”
٣٥.“Avo vanopikisana muzviratidzo zvaAllah pasina mvumo yauya kwavari, (zvavanoita) zvakavengwa zvikuru naAllah neavo vanotenda. Ndivo mavharirwo anoitwa naAllah moyo yewese anozvitutumadza, mudzvinyiriri.”
٣٧.“Nzira dzematenga, uye kuti ndive ndinoona Mwari waMusa. Asi zvirokwazvo, ndinofunga kuti munyepi.” Naizvozvo, zvakaitwa kuti zvive zvinooneka sezvakanaka mumaziso aFarawo, huipi hwemabasa ake, uye akadziviswa kubva panzira yakatwasuka; uye kuronga kwaFarawo hakuna zvakwakamutungamira kusara kwekurasikirwa nekuparadzwa (kwake)
٣٨.Uye murume aitenda akati: “Imi vanhu vangu! Teverai ini, ndichakutungamirirai kunzira yakatwasuka (Islaam).”
٣٩.“Imi vanhu vangu! Chokwadi, hupenyu hwepano pasi hapana zvauri kusara kwemafaro, uye zvirokwazvo, hupenyu huchatevera inzvimbo yamuchagara nekusingaperi.”
٤٠.“Uyo anenge aita basa rakaipa, haave anopihwa mubairo kusara kwezvakafanana nezvaanenge aita; uye uyo anenge aita basa rakanaka, angave murume kana mukadzi uye ari mutendi wechokwadi, ivavo vachapinda Paradhiso mavachapihwa raramo isina magumo.”
٤٢.“Munondidaidza kuti ndisatende muna Allah (muumwechete wavo), uye kuvasanganisa nezvimwe zvinhu mukunamata zvandisina ruzivo nazvo; uye ini ndinokukokai kumukuru wezvose, muregereri!”
٤٣.“Pasina kugunun’una munondidaidza kuti (ndinamate) uyo asingandipi zvandinokumbira pano pasi kana muhupenyu huchatevera. Uye kudzokera kwedu kuchange kuri kuna Allah, uye Al- Musrifoon (vatadzi, vanopfurikidza mirairo yaAllah) vachava vagari vekumoto!”
٤٤.“Uye muchave munorangarira zvandirikukuudzai, uye nyaya dzangu ndinodzisiya kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoona varanda vavo.”
٤٥.Uye Allah vakamununura kubva kune zvakaipa zvavakanga varonga, asi murango wakaipa wakakomberedza vanhu vaFarawo
٤٦.Moto, vanoburitswa pachena kwauri, mangwanani nemasikati. Uye pazuva iro nguva ichasvika (zvichava zvinonzi kungirozi): “Itai kuti vanhu vaFarawo vapinde marwadzo akaomarara!”
٤٧.Uye, pavachava vanopikisana vari mumoto, vasina simba vachava vanoti kune avo vaizvitutumadza: “Zvirokwazvo, takakuteverai, munokwanisa here kubvisa kubva kwatiri chidimbu chemoto?”
٤٨.Avo vaizvitutumadza vachava vanoti: “Tiri tose mumoto! Zvirokwazvo, Allah vatonga pakati pevaranda (vavo)!”
٤٩.Uye avo vachange vari mumoto vachave vanoti kuvachengeti (ngirozi) veGehena: “Shevedzai Tenzi venyu kuti vave vanotirerutsira marwadzo kwezuva (rimwechete)!”
٥٠.Vachati: “Vatumwa venyu havana kuuya kwamuri here nezviratidzo zviri pachena here?” Vachati: “Hongu.” Vachava vanopindura: “Shevedzai sekuda kwenyu! Uye chikumbiro chevasingatendi hachina basa (chakarasika) (nekuti Allah havachitambiri)!”
٥١.Zvirokwazvo, tichava tinoita kuti vatumwa vedu neavo vanotenda (muhumwechete waAllah) vave vakabudirira muhupenyu hwepano pasi uye muzuva iro vapupuri vachava vanomira (vachipupura pazuva rekutongwa)
٥٢.Zuva iro vanoita mabasa akaipa zvichemo zvavo zvichange zvisingabatsiri. Kurengera (kutukwa) kuchange kuri kwavari, uye nzvimbo yakaipa ichange iri yavo
٥٣.Uye zvirokwazvo takave tinopa Musa nungamiri uye takave tinogadza Gwaro (Torah) senhaka kuvana vaIzrairi
٥٥.Naizvozvo iva unotsungirira (Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeye chokwadi, uye kumbira ruregerero kubva kuzvitadzo zvako, wova unorumbidza rukudzo rwaTenzi vako munguva dzemasikati (kusvikira zuva radoka) uye munguva dzemangwanani (Hanzi zvichireva minamato mishanu pazuva kana kuti Asr neFajr)
٥٦.Zvirokwazvo, avo vanopikisa pamusoro pezviratidzo zvaAllah vasina mvumo yauya kwavari, havana chimwe chinhu kusara kwekuzvitutumadza mumoyo yavo. Havasi kuzochiwana (chiporofita chawapihwa naAllah). Naizvozvo kumbira chengetedzo kuna Allah. Muzvirokwazvo, ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose
٥٧.Zvirokwazvo, kusikwa kwedenga nenyika kukuru kukunda kusikwa kwevanhu, asi vanhu vazhinji havazvizive
٥٨.Uye havana kufanana avo vanoona neavo vasingaoni, kana avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) vachiita mabasa akanaka, neavo vanoita mabasa akaipa. Zvishoma ndizvo zvamunoyeuka
٥٩.Zvirokwazvo, nguva iri kusvika (Zuva rekutongwa), hapana fungidziro nezvayo, asi vanhu vazhinji havatendi
٦٠.Uye Tenzi venyu vakati: “Ndidanei, ndichava ndinokudavirai (zvichemo zvenyu). Zvirokwazvo, avo vanosiya kundinamata vachizvitutumadza vachapinda muGehena vakadzikisirwa!”
٦١.NdiAllah, avo vakagadzira usiku kuti muve munozorora mahuri, nemasikati kuti muve munoona. Muchokwadi, Allah vane makomborero akawanda kuvanhu, asi vanhu vazhinji havatendi
٦٢.NdiAllah, Tenzi venyu, Musiki wezvose, hakuna mumwe ane mvumo yekunamatwa kunze kwavo (Laa ilaaha illaa Huwa). Naizvozvo sei muchifuratira (kubva kuna Allah nokunamata zvimwe zvisikwa kunze kwavo)
٦٤.NdiAllah, avo vakakugadzirirai nyika senzvimbo yekugara nedenga sechivhariso, uye vakakupai zvimiro vakave vanonakisa zvimiro zvenyu, uye vakakupai zvinhu zvakanaka. Ndivo Allah, Tenzi venyu, naizvozvo vakakomborerwa ndiAllah, Tenzi vezvinhu zvose
٦٥.Ndivo vane kurarama kusingaperi, uye hakuna mumwe ane kodzero yokunamatwa kunze kwavo (Laa ilaaha illaa Huwa). Naizvozvo vadanei muchiita minamato yenyu yavo vega. Kurumbidzwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi vezvinhu zvose (vanhu, maJinn nezvose zviripo)
٦٦.Iti (Muhammad (SAW)): “Ndakave ndinorambidzwa kunamata zvose zvamunonamata muchisiya Allah, sezvo humboo hwakauya kwandiri kubva kuna Tenzi vangu; uye ndakave ndinokomekedzwa kuzvipira (kuIslaam) kuna Tenzi vezvinhu zvose.”
٦٧.“Ndivo (Allah) vakakusikai kubva muvhu, pedzezvo kubva muNutfah (mbeu yababa naamai dzakasanganiswa), pedzezvo kubva pakagodo keropa, pedzezvo vakakuunzai (Panyika) sevana, pedzezvo vanokuitai kuti musvike zera rine simba rakakwana, uye mushure maizvozvo kukwegura (kuchembera), kunyange vamwe venyu vachifa mumashure, uye kuti mova munosvika nguva yakatarwa kuti muve munonzwisisa.”
٦٨.Ndivo (Allah) vanopa upenyu uye vanokonzera rufu. Uye kana vachinge varonga chinhu vanongoti kwachiri: ‘Ivapo!’ chobva chavapo.”
٧٠.Avo vanoramba Gwaro (Qur’aan) neizvo zvatakatumira nevatumwa vedu (kunamata Allah vamwechete) vachava vanoziva (pavachakandwa mumoto)
٧١.(Rangarirai) apo changadzo (ngetani) dzesimbi dzichange dzakamoneredzwa pamitsipa yavo, uye ngetani, vachave vanodhonzwa
٧٤.Kunze kwaAllah?” Vachati: “Vanyangarika kwatiri. Asi, hatina kudana (kunamata) chimwe chinhu mumashure.” Saizvozvo Allah vanoita kuti vasingatendi varasike
٧٦.Pindai misuwo yeGehena kuti mugaremo. Uye (Zvirokwazvo) inzvimbo yakaipa sei kugara kune vanozvitutumadza
٧٧.Saka tsungirira (Muhammad (SAW)); zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Uye kunyange tikakuratidza (Muhammad (SAW)) zvimwe zvezvatakavavimbisa, kana kuti tikakuita kuti ufe naizvozvo kwatiri vachava vanodzorerwa
٧٨.Uye zvirokwazvo takatumira vatumwa mushure mako (Muhammad (SAW)), vamwe vavo takave tinokuudza nhaurwa (nyaya) dzavo. Uye vamwe vavo hatina kuva tinokuudza nhaurwa (nyaya) dzavo, uye hazvina kuva zvinopihwa mutumwa upi zvake kuti ave anoburitsa chiratidzo kunze kwekuda kwaAllah. Asi kana murairo (mutongo) waAllah wauya, nyaya ichatongwa muchokwadi, uye vateveri vemanyepo vachava vanorasikirwa (nezvinhu zvose)
٨٠.Uye mune (zvakawanda) zvekubatsirikana nazvo kubva mazviri (zvipfuwo). Uye kuti muve munowana nazvo zvido zvenyu zviri mumoyo yenyu, uye pazviri uye nengarava munotakurwa
٨١.Uye vanokuratidzai zviratidzo zvavo (zvehumwechete hwavo muzvinhu zvese zvataurwa pamusoro). Saka ndezvipi zvezviratidzo zvaAllah zvamuchava munoramba
٨٢.Havana kufamba nenyika here vakaona kuti aiva sei magumo eavo vaivepo mumashure mavo? Vakange vakawanda muuwandu kuvapfuura uye vakakomba pasimba, uye mumatsimba panyika (avakasiya), asi havana kunge vanobatsirwa nezvavaiwana
٨٣.Asi vatumwa vavo pavakauya nezviratidzo zviri pachena vakafadzwa nezvavakange vainazvo kubva kuruzivo (rwezvepanyika). Uye izvo zvavaitsvinya zvakavakomberedza (mutongo)
٨٤.Asi pavakaona mutongo wedu, vakati: “Tinotenda muna Allah vamwechete uye tave tinoramba (zvose) zvataisanganisa navo (pakunamata)
٨٥.Naizvozvo kutenda kwavo (muchi Islaam) hakuna kuvabatsira pavakaona mutongo wedu. (Sekunge) Iyi ndiyo yanga iri nzira yaAllah yekutonga nayo varanda vavo. Uye ipapo avo vasingatendi vakarasikirwa zvachose (apo mutongo wedu wakavakomberedza)