٨.Havakwanisi kuteerera kune gungano riri pamusoro (ngirozi) nokuda kwekuti vanotemwa kubva kumativi ose
١٠.Kusara kweuyo anotora (anobvuta) chimwe chinhu mushure mekunge aba, uye oteverwa nemarimi emoto anovheneka
١١.Naizvozvo (Muhammad (SAW)) vabvunze (vasingatendi): “Ndivo here vakaoma kusika, kana kuti ndeizvo zvatakasika (matenga nenyika nemakomo)?” Zvirokwazvo, takavasika kubva muivhu rinonamira (matope)
١٩.Kuchangova kudeedzera kumwechete (Zajrah – kuridzwa kwehwamanda kechipiri), uye ngwarirai, vachange vakayeva (vakatarisa)
٢٢.(Zvichanzi kungirozi): “Unganidzai avo vaiita zvisakarurama, pamwechete nevaigara navo (vanadiyabhorosi) uye neizvo zvavainamata.”
٢٨.Vachati: “Zvirokwazvo, ndimi maiuya kwatiri kubva kurudyi (muchitikurudzira kusatenda nekuita mabasa akaipa).”
٣٠.“Uye takanga tisina masimba pamusoro penyu. Asi makange muri vanhu vaisatenda (vaipfurikidza mwero).”
٣١.“Saka izwi raTenzi vedu rava rinonangana nesu kuti zvirokwazvo tichava tinoravira (mutongo wakaomarara).”
٣٥.Zvirokwazvo, pazvakanzi kwavari: “Laa ilaaha illallaah (Hakuna umwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah),” vakazvitutumadza
٣٧.Asi iye (Muhammad (SAW)) auya nechokwadi (Islaam) uye achisimbisa (achitsigira) vatumwa (vaivepo iye asati avepo)
٤٨.Uye parutivi pavo pachange paine vakadzi vanodzora maziso avo (vasingadi vamwe kunze kwevarume vavo), vane maziso mahombe akanaka
٥٣.‘(Kuti) Kana tichinge tafa tova huruva nemapfupa, tichava tinomutswa kuti tinowana mubairo kana murango (zvichienderanda nemabasa edu)?’”
٦٧.Uye pamusoro pazvo vachapihwa mvura inopisa kuti vanwe kuti ive musanganiswa (wemvura inopisa neZaqqoom)
٨٩.Uye akati: “Zvirokwazvo, ndiri kurwara. (Akaita izvi kuti asaende kemhemberero dzavo kuti asare achiparadza zvidhori zvavainamata).”
٩٩.Uye akati (Anunurwa kubva mumoto): “Zvirokwazvo, ndavakuenda kuna Tenzi vangu. Vachanditungamirira!”
١٠٢.Uye paakanga akura (mwana wake) zvekukwanisa kufamba naye, (Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Iwe mwana wangu! Zvirokwazvo, ndaona kuhope ndichikucheka (sechipiro kuna Allah). Naizvozvo unozviona sei?” Akati: “Imi baba vangu! Itai zvamaudzwa, kana Allah vachida, muchandiwana ndiri pakati peavo vanotsungirira.”
١٠٥.“Zvirokwazvo, wava unozadzisa hope (dzako)!” Zvirokwazvo, ndiwo mubairo watinopa maMuhsinoon (vanhu vanoita mabasa akanaka)
١١٣.Takava tinomukomborera naIshaaq (Isaka). Uye kubva muvana vavo pane vamwe vaiita mabasa akanaka, nevamwe vaizvidzvanyirira zviri pachena pachezvavo
١٤٩.Vabvunze (Muhammad (SAW)): “Kuna Tenzi vako ndiko kune vanasikana uye kwavari ndiko kune vanakomana here?”
١٥٨.Uye vakagadzira ushamwari pakati pavo (Allah) nemaJinn, asi ivo maJinn anoziva zvakanaka kuti arikuzomira pamberi pavo (Allah)
١٧٧.Naizvozvo paunodzikiswa muzvivanze zvavo (padyo navo), kuipa kuchava mangwanani eavo vakayeuchidzwa
١٨٠.Kurumbidzwa ndekwaTenzi vako, Tenzi veruremekedzo nesimba! Kubva mune izvo zvavanovasanganisa (zvavanovatsanangudza) nazvo