١.Twaa – Seen – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
٤.Kana tichida, tinovatumira kubva kudenga chiratidzo icho chokuti huro dzavo dzinoramba dzakakotama (vachizvininipisa)
٦.Asi zvirokwazvo vanoramba (chokwadi chemuGwaro reQur’aan), uye mashoko eizvo zvavaidzikisira (zvavaiseka) achauya kwavari
٧.Havatarisi kune nyika here – zvingani zvatinoburitsa kubva mairi kubva kuchinhu chose chakanaka (chakakomborerwa)
٩.Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, chokwadi ndivo vari pamusoro-soro, uye vane tsitsi zhinji (kupinda zvose)
١٠.Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakadana Musa (vachiti): “Enda kune vanhu vanoita mabasa akashata.”
١٣.“Uye hana yangu inhete (haina kusimba), uye rurimi rwangu runokakama. Saka tumirai kuna Haaroon (Aroni, kuti ave anoenda neni).”
١٥.(Allah) vakati: “Kwete! Endai muri vaviri nezviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, tichave tinemi tichiteerera.”
١٨.(Farawo) akati: “Hatina kukuchengeta here pakati pedu uri kamwana? Ukagara nesu kwemakore mazhinji ehupenyu hwako.”
٢١.“Saka ndakatiza kubva kwamuri nekuda kwekukutyai. Asi Tenzi vangu vakandipa mutongo (ungwaru uye nehuporofita), uye vakandiita umwe wevatumwa.”
٢٢.“Urwu ndirwo rubatsiro rwavakandiitira kare rwaunondirangaridza, asi iwe uchiita varanda (nekudzvanyirira) vana vaIzirairi.”
٢٥.(Farawo) akati kune avo vakamutenderedza (makurukota ake anenge akagara navo samambo): “Muri kunzwa here zvaari kutaura?”
٢٨.(Musa) akati: “Tenzi vekumabvazuva uye kumavirira (Madokero), uye zvose zviri pakati pavo, ndokunge kana muchinzwisisa!”
٢٩.(Farawo) akati: “Kana mukatora umwe mwari muchisiya ini, zvirokwazvo, ndinokuita umwe wevasungwa.”
٣٤.(Farawo) akati kune makurukota akanga aripo akamutenderedza: “Zvirokwazvo, uyu munhu anoziva mapipi zvikuru.”
٤١.Saka n’anga padzakasvika dzakataura kuna Farawo kuti: “Zvirokwazvo, tichave nomubairo here kana tave tinokunda?”
٤٤.Nokudaro vakakanda tambo dzavo uye zvitanda (tsvimbo) dazvo, uye vakati: “Nesimba raFarawo, zvirokwazvo tisu tichave tinokunda!”
٤٩.Farawo akati: “Munotenda maari ndisati ndakupai mvumo. Zvirokwazvo, uyu ndiye mukuru wenyu akakudzidzisai mapipi? Nekudaro zvirokwazvo, muchazvia zvenyu. Zvirokwazvo, ndichadambura maoko enyu uye makumbo enyu kumativi akapesana (ruoko rwerudyi negumbo rekuruboshwe kana kupindura), uye ndichakurovererai mose pamuchinjikwa.”
٥١.“Zvirokwazvo, tinovimba kuti Tenzi vedu vachatiregerera zvitadzo zvedu sezvo tiri vekutanga kutenda (muIslaam uye muna Musa naHaaroon (Aroni)).”
٥٢.Uye takave tinodzikisa kuna Musa kuti: “Famba husiku nevaranda vangu (kubva kuna Farawo), asi zvirokwazvo muchateverwa.”
٦٣.Takava tinodzikisa kuna Musa (kuti): “Rova nyanza netsvimbo yako.” Uye yakapatsanuka, uye mafasho (emvura) akasiyana-siyana akaita kunge mazikomo mahombe
٨٨.“Zuva iro rokuti upfumi kana vana havabatsiri (hazvishandi kuti wakapfuma here kana kuti une vana vakawanda).”
١٠٩.“Handina mubairo wandinoda kubva kwamuri weizvi (Islaam); mubairo wangu haubvi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
١١٦.Vakati (kuna Nowa): “Iwe Nowa! Ukaramba uchiita izvozvo, zvirokwazvo, uchava veavo vachatemwa nemabwe (kusvikira rufu).”
١٢٧.“Handina mubairo wandinobvunza kubva kwamuri weizvi. Mubairo wangu haubvi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
١٣٩.Saka vakamuramba, uye tikavaparadza. Zvirokwazvo, mune izvi mune chidzidzo, asi vazhinji vavo havatendi
١٥١.“Uye musava munoteerera mirairo yemaMusrifoon (vatadzi, mhondi, vatungamiriri vezvose zvakaipa).”
١٥٥.Akabva ati: “Heyo ngamera hadzi iyo. Ine kodzero yekunwa mvura, uye imi mune kodzero yekunwa mvura pazuva rinozivikanwa (zvijana zvekunwa mvura).”
١٥٦.“Uye musava munoibata (ngamera hadzi) zvakaipa muchiikuvadza, nekuti marwadzo ezuva guru achava anokubatai (anokuwirai).”
١٥٨.Saka vakava vanosangana nemarwadzo. Zvirokwazvo, uyu ndiwo muenzaniso, asi vazhinji vavo havatendi
١٦٤.“Handina mubairo wandinobvunza kwamuri weizvi, asi mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
١٦٦.“Uye muchisiya avo vamakasikirwa naAllah sevakadzi venyu? Zvirokwazvo, muri vanhu vanopfurikidza mirairo!”
١٦٧.Vakabva vati (kuna Loti): “Iwe Loti! Chokwadi, ukaramba uchidaro, zvirokwazvo, uchava umwe wevanhu vatichadzinga (mudunhu redu)!”
١٦٨.Akabva ati: “Ndiri mumwe wevanhu avo vanopokana nemi nekugumbuka zvakanyanya nezvamunoita zvakashata (Chingochani).”
١٧٣.Uye takava tinovatumira marwadzo ainaya. Uye kunaya kwacho kwaiva kwakashata kune avo vakayambirwa
١٧٦.Vagari veAl-Aikah (Nzvimbo iri pedyo neMadyan) vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
١٨٠.“Handina mubairo wandinobvunza kwamuri weizvi, asi mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
١٨٣.“Uye musava munobira vanhu nekudzikisa zvinhu zvavo, kana kuita zvakashata, kuita huori nehuumambara munyika.”
١٨٧.“Saka ita kuti zvidimbu zvidimbu zvedenga zvitidonhere, kana uri mumwe weavo vanotaura chokwadi!”
١٨٩.Asi vakaramba kutenda maari, saka marwadzo ezuva remvuri (gore rakasviba) akavabata. Zvirokwazvo, aiva marwadzo ezuva guru
١٩٧.Hachisi chiratidzo kwavari here kuti vakadzidza vevana vaIzirairi (saAbdullah Ibn Salaam) vanoriziva (kuti ichokwadi)
٢٢٣.Vanoteerera (maShayaatween, uye vanovapa zvavanenge vanzwa zvakavanzika kubva kungirozi), uye vazhinji vavo vanyepi
٢٢٥.Hauoni here kuti vanotaura pamusoro penyaya dzese (vachirumbidza vanhu, vakanaka here kana kuti vakaipa) munhetembo dzavo
٢٢٧.Kusara kweavo vanotenda (muIslaam) nokuita mabasa akanaka, uye vanorangarira Allah zvakanyanya, uye nekuzvidzivirira mushure mekunge vatadzirwa (vachipindura nenhetembo avo vadetembi vanotaura zvakaipa pamusoro peIslaam). Uye avo vanoita mabasa akashata vachaziva kuti vachapindurwa sei pavachapindurwa (magumo avo achange akaita sei)