١.Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zvri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
٣.Zvirokwazvo, takaridzikisa (Qur’aan) pausiku hwakakomborerwa (usiku hwe Al-Qadr mumwedzi weRamadhaan). Zvirokwazvo, tiri kuyambira (kuti ticharanga avo vasingatendi)
٤.Mauri (usiku uhwu) munotarwa nyaya dzose dzakarongwa (ndufu, keberekwa kwemhuka, nezviitiko zvese zvichaitika gore rinotevera)
٥.Sechikomekedzo (Qur’aan iri kana kutarwa kwezviitiko) kubva kwatiri. Zvirokwazvo, tinotumira (vatumwa)
٧.Tenzi vematenga nenyika nezvose zviri pakati pawo, kana muine kutenda kwechokwadi (nekusangana naTenzi venyu)
٨.Laa ilaaha illaa huwa (Hakuna mumwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Ndivo vanopa upenyu uye vanokonzera rufu – Tenzi venyu uye Tenzi vemadzibaba enyu
١٣.Vangave sei nendangariro (murango wauya kwavari), apo mutumwa ari pachena akauya kwavari (achivajekesera)
١٤.Naizvozvo vakamufuratira (Muhammad (SAW)) vakati: “Munhu akadzidziswa (nemumwe munhu), uye anopenga!”
١٧.Uye zvirokwazvo takaedza mushure mavo vanhu vaFarawo, apo mutumwa anoremekedzwa akauya kwavari (Musa (AS)
١٨.Achiti: “Ndipei varanda vaAllah (vana vaIzirairi). Zvirokwazvo, ndiri mutumwa anovimbika kwamuri.”
١٩.“Uye musava munozvikudza pamusoro paAllah. Zvirokwazvo, ndauya kwamuri nenzira iri pachena (murairo uri pachena).”
٢٠.“Uye zvirokwazvo ndinokumbira chengetedzo kubva kuna (Allah) Tenzi vangu naTenzi venyu, nekuti munganditeme (kana kunditi ndiri ngan’a kana kundiuraya).”
٢٨.Zvakaitika kudaro! Naizvozvo, takaita kuti vamwe vanhu vavagare nhaka (Vana vaIzirairi vagare nhaka humambo weku Egypt)
٣١.Kubva kunaFarawo. Zvirokwazvo, aizvitutumadza uye aive mumwe wemaMusrifoon (avo vanhu vanopfurikidza mitemo yaAllah)
٣٧.Vari nani here kana kuti vanhu vekuTubba neavo (vaivepo) mushure mavo? Takavaparadza nekuti zvirokwazvo vaive maMujrimoon (vatadzi)
٣٩.Hatina kuva tinozvisika kusara kwekuti muchokwadi (kuti tione avo vanoteerera neavo vasingateereri), asi vazhinji vavo havazivi
٤١.Zuva rekuti Maula (hama yepedyo) haikwanisi kubatsira Maula (hama yepedyo) nechimwe chinhu, uye zvakare hapana rubatsiro rwavachawana
٥٤.Zvichava kudaro! Uye tichavaroodza kumaHouri vane maziso mahombe akanaka (vakadzi vakanaka vekuJannah)
٥٦.Havazomboravira rufu imomo kusara kwerufu rwekutanga (panyika), uye (Allah) vachavanunura kubva kumutongo wekumoto