١.Yaa – Seen. (Aya mavara mamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kusara kwaAllah)
٦.Kuti ukwanise kuyambira vanhu avo madzibaba avo haana kunge akayambirwa, nokudaro havateereri (havana hanya)
٧.Zvirokwazvo, shoko (remutongo) rabuda pachena richipokana nevazhinji vavo, saka havasi kuzombotenda
٨.Zvirokwazvo, tavatakudza changadzo muhuro dzavo kusvikira muzvirebvu, muzvirokwazvo kuitira kuti misoro yavo irambe yakasimudzwa mudenga
٩.Uye takave tinoisa muganhu mumashure mavo uye takaisa muganhu pakati pavo, uye takavaputira kuitira kuti vasaone
١١.Unokwanisa kungoyambira uyo anotevedzera yambiro (Qur’aan), uye achitya vane nyasha zhinji (Allah) vasingaoneki. Ipa uyo nhaurwa tsvene dzerugerero uye mubairo wakanaka (Paradhiso)
١٢.Zvirokwazvo, tinopa hupenyu kune vakafa, uye tinonyora izvo zvavanotumira kumberi (kwavo), uye nemastsimba avo, uye zvinhu zvose takazvinyora zviri mumanhamba mubhuku riri pachena
١٣.Vataurire maererano nemuenzaniso wenyaya yevagari vedhorobha (Antioch (Antakiya)), apo pakauya vatumwa kwavari
١٤.Patakavatumira vatumwa vaviri, vakavaramba. Saka takavasimbisa newechitatu, uye vakati: “Chokwadi, tave tinotumwa kwamuri sevatumwa.”
١٥.Ivo (vanhu vedhorobha) vakati: “Muri vanhu sesu, uye vane nyasha zhinji (Allah) hapana chavadzikisa. Muri kutaura manyepo.”
١٨.Ivo (vanhu) vakati: “Isu tiri kuona chiitiko chakaipa (munyama) kubva kwamuri. Mukasasiya, tinoku temai-temai nematombo zvechokwadi, uye marwadzo akaomarara anokuwanai kubva kwatiri.”
١٩.(Ivo vatumwa) vakati: “(Munyama) Zviitiko zvenyu zvakaipa zvinemi! (Munochishevedza kuti “chiitiko chakaipa (munyama)”) nekuti murikueuchidzwa? Asi muri vanhu vanotyora mirairo yaAllah (muchiita mhando dzose dzezvitadzo zvikuru uye nekusateerera Allah).”
٢٠.Uye pakauya murume achimhanya kubva kunzvimbo yaiva kure yedhorobha akati: “Imi vanhu vangu! Teererai vatumwa.”
٢١.“Tevedzerai avo vasingambo kubvunzai maererano nemubhadharo wavo, uye vakatungamirirwa (munzira yakatwasuka).”
٢٣.“Ndingatora here zvinamatwa kunze kwavo? Kana vane nyasha zhinji (Allah) vakandishuvira chakaipa, kumiririra kwazvo (zvinamatwa kunze kwaAllah) hakukwanisi kundibatsira, uye hazvikwanisi kundinunura?”
٢٦.Zvakanzi (kwaari apo paakauraiwa nevasingatendi): “Pinda Paradhiso.” Akati: “Ndinoshuvira kuti dai vanhu vangu vaziva.”
٢٨.Uye hatina kuva tinotumira kuvanhu vake mushure make mauto kubva kudenga, uye pange pasina chikonzero chekuti titumire
٣٠.Matambudziko kuvanhu (varanda vaAllah)! Hakuna kuva kunouya mutumwa kwavari kusara kwekuti vaimutuka (vaimutsvinyira)
٣١.Havaoni here kuti madzinza mangani atakaparadza mushure mavo? Zvirokwazvo, havazombofa vakadzokera kwavari
٣٣.Uye chiratidzo kwavari, inyika inenge isina upenyu. Tinoipa upenyu, uye tinoburitsa kubva mairi zvirimwa (mbesa), kuti vave vanodya kubva madziri
٣٤.Uye tinogadzira mairi (nyika) mapindu emadheti nemagirepi, uye tinokonzera kuti zvitubu zvemvura zvive zvinobuda mairi (nyika)
٣٥.Kuti vave vanodya kubva kumichero yawo, uye maoko avo haasi anozvigadzira. Saka sei vasingapi kutenda
٣٦.Kurumbidzwa ngakuve kune avo vakasika zvinhu (zvisikwa) zvose muuviri kubva kune izvo zvinoburitswa nepasi, uye kubva kwavari (vanhu, varume nevakadzi), uye kubva kune izvo zvavasingazivi
٣٧.Uye chiratidzo kwavari ndecheusiku. Tinobvisa kubva mahuri (husiku) masikati, uye ngwarirai, vanenge vave murima
٣٨.Uye zuva rinofamba nemunzira yaro kwenguva yarakatarirwa. Uku ndiko kuronga kwaSamasimba, vane ruzivo rwose
٣٩.Uye mwedzi takava tinoutarira nzira yawo (yekufamba nayo) kusvikira wadzoka kwatiri sedzinde rekare remaDheti rakaminama, rakaoma
٤٠.Hazvikwanisike kuti zuva ridarikire mwedzi kana kuti usiku udarikire masikati. Zvose zvinofamba mudenga zvichitenderera
٤٣.Uye kana tichida, tichavanyudza uye pachange pasina anodeedzera (kana mununuri achanzwa kuchema kwavo), uye havazombonunurwi
٤٥.Uye zvikanzi kwavari: “Ityai izvo zviri pamberi penyu (marwadzo epanyika), uye neizvo zviri pamberi penyu zvamusingaoni (marwadzo emuhupenyu hunotevera), kuti muve munogashira tsitsi (kana mukatambira Islaam).”
٤٦.Uye hakuna chiratidzo kubva muzviratidzo zvaTenzi vavo chakauya kwavari kusara kwekuti vakachifuratira
٤٧.Uye pazvinonzi kwavari: “Ipai kubva mune izvo zvamakapihwa naAllah,” avo vasingatendi vanoti kune avo vanotenda: “Tingape kudya avo, dai Allah vaida, ivo (Allah pachezvavo) vaivapa chikafu? Zvirokwazvo, makarasika zviri pachena.”
٥٠.Naizvozvo havasi kuzokwanisa kutaura zvido zvavo mushure mavo (vafa), kana kudzokera kumhuri dzavo
٥١.Uye hwamanda icharidzwa (kuridzwa kwepiri), uye naizvozvo vachabuda mumarinda avo vakananga kuna Tenzi vavo nokukurumidza
٥٢.Vachati: “Matambudziko kwatiri! Ndiani atimutsa kubva munzvimbo yedu yekurara?” (Zvichanzi kwavari): “Izvi ndizvo zvakavimbiswa neavo vane tsitsi dzose (Allah), uye vatumwa vakava vanotaura chokwadi!”
٥٤.Zuva iri (rekutongwa) hapana achakanganisirwa pane chimwe chinhu, uye hamusi kuzopihwa chinhu kusara kweizvo zvamaiita
٥٨.(Zvichanzi kwavari): “Salaam (rugare ngaruve kwamuri) – shoko kubva kuna Tenzi (Allah), vane tsitsi dzose
٦٠.“Handina kukuudzai, imi vana vaAdam, kuti musave munonamata Shaitwaan (Satani). Zvirokwazvo, muvengi ari pachena kwamuri.”
٦٥.Nhasi, tichavhara miromo yavo, uye maoko avo achataura nesu, uye makumbo avo achapa uchapupu pamusoro peizvo zvavaiwana. (Zvinonzi chidya cheruboshwe ndicho chichatanga kupa uchapupu)
٦٦.Uye dai kwaiva kuda kwedu, tingadai zvirokwazvo takadzima maziso avo, kuti vave vanotambudzika panzira. Vaizoona sei
٦٧.Uye dai kwaiva kuda kwedu, tingadai takavashandura (kuti vave mhuka kana zvimwe zvisikwa zvisingafemi) panzvimbo dzavo. Naizvozvo vaisakwanisa kuenda mberi kana kudzokera kumashure
٦٨.Uye uyo watinopa hupenyu hwakareba, tinomudzosera kuhusikwa (kushaya simba mushure mokuva nesimba). Hamunzwisisi here
٦٩.Uye hatina kumudzidzisa (Muhammad (SAW)) nhetembo, uye hadzina kukodzera kwaari. Iyi ingori yeuchidzo neQur’aan riri pachena
٧٠.Kuti rive (Qur’aan) rinochenjedza uyo ari kurarama (mutendi), uye kuti rigova shoko rechokwadi kune avo vasingatendi (vakafa nekusatenda kwavo)
٧٢.Uye takaita kuti dzive (mombe) pasi pavo, kuti dzimwe dzacho vave vanotatswa uye dzimwe dzacho vadye
٧٤.Uye vakatora zvimwe zvisikwa kunze kwaAllah saanamwari vachitarisira kuti vangabatsirwa (nezvinanamwari zvavo)
٧٥.Havambokwanisi kuvabatsira, asi vachazounzwa pamberi semauto vachipikisana nevaivanamata (pazuva rekutongwa)
٧٦.Naizvozvo mashoko avo ngaasave anokusuwisa (Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, tinoziva zvavanoviga nezvavanobuditsa pachena
٧٧.Munhu haaoni here kuti takamusika kubva muNutfah (Mvura yemurume nemukadzi yakasangana)? Asi zvirokwazvo anomira semupikisi ari pachena
٧٨.Uye anoisa muenzaniso pamusoro pedu, uye wobva akanganwa kusikwa kwake, achibva ati: “Ndiani achapa hupenyu kumapfupa mushure mekunge aora uye aita mavhu?”
٧٩.Iti (Muhammad (SAW)): “Achapihwa hupenyu (mapfupa) neavo vakaasika pekutanga! Uye vane ruzivo pamusoro pezvisikwa zvose!”
٨١.Avo vakasika matenga nenyika havana here simba rekusika zvimwe zvakafanana naizvozvo? Hongu, zvirokwazvo ndivo musiki mukuru vane ruzivo
٨٣.Naizvozvo kurumbidzwa ngakuve kwavari, avo muruoko rwavo mune humambo hwezvinhu zvose, uye kwavari muchadzoserwa